Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 14:3-16

Mako 14:3-16 SNA2002

Zvino akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumwe mukadzi akauya ane chinu chearibhasitera chaiva namafuta chenaridho chakanakisa, chinomutengo mukuru; akaputsa chinu chearibhasitera, akachidurura mumusoro wake. Asi vamwe vakanga varipo vakatsamwa pamwoyo yavo, vakati, “Kuparadza ikoko kwemafuta kwakaitirweiko? Nokuti mafuta oga angadai atengeswa namadhenari anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakatsamwira mukadzi.” Asi Jesu akati, “Muregei. Muno mutambudzireiko? Akandiitira basa rakanaka. “Nokuti varombo munavo nguva dzose, nguva ipi neipi yamunoda, mungavaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzose. Akaita paakagona napo; akagara azora muviri wangu ndisati ndavigwa. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kwose kunozoparidzirwa Vhangeri panyika dzose, zvakaitwa naye zvicharehwawo, kuti vamurangarire nazvo.” Judhasi Isikarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaenda kuvapristi vakuru, kuti amuise kwavari. Ivo vakati vachizvinzwa, vakafara, vakamupikira kuti vachamupa mari. Ipapo akatsvaka nzira yaangamuisa kwavari nayo panguva yakafanira. Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, musi wavaibayira Pasika nawo, vadzidzi vakati kwaari, “Munoda kuti tikugadzirirepiko pamungadya Pasika?” Akatuma vadzidzi vake vaviri, akati kwavari, “Endai muguta, ipapo muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye. “Paanenge achipinda, muti kumuridzi weimba, ‘Zvanzi nomudzidzisi, imba yangu yavaeni iripiko, mandingadyire Pasika navadzidzi vangu?’ Ipapo iye achakutaridzai imba huru yokumusoro, yakarongedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirirepo.” Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakandowana sezvavakanga vaudzwa naye; vakagadzira Pasika.

Verenga chikamu Mako 14