Zvino mazuva maviri akanga asara pakusvika kwePasika nomutambo wezvingwa zvisina mbiriso. Vapristi vakuru navanyori vakanga vachitsvaka mutoo wavangamubata nawo namano, kuti vamuuraye. Nokuti vakati, “Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.” Zvino akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumwe mukadzi akauya ane chinu chearibhasitera chaiva namafuta chenaridho chakanakisa, chinomutengo mukuru; akaputsa chinu chearibhasitera, akachidurura mumusoro wake. Asi vamwe vakanga varipo vakatsamwa pamwoyo yavo, vakati, “Kuparadza ikoko kwemafuta kwakaitirweiko? Nokuti mafuta oga angadai atengeswa namadhenari anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakatsamwira mukadzi.” Asi Jesu akati, “Muregei. Muno mutambudzireiko? Akandiitira basa rakanaka. “Nokuti varombo munavo nguva dzose, nguva ipi neipi yamunoda, mungavaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzose. Akaita paakagona napo; akagara azora muviri wangu ndisati ndavigwa. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kwose kunozoparidzirwa Vhangeri panyika dzose, zvakaitwa naye zvicharehwawo, kuti vamurangarire nazvo.”
Verenga chikamu Mako 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 14:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo