Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 12:28-34

Mako 12:28-34 SNA2002

Zvino mumwe wavanyori akanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti akanga avapindura zvakanaka, akauya, akamubvunza, achiti, “Murayiro wokutanga pana yose ndoupiko?” Jesu akapindura, akati, “Wokutanga ndiwoyu, ‘Inzwai vaIsiraeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwechete! Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.’ Wechipiri ndiwoyu, ‘Ida wokwako sezvaunozvida pachako.’ Hakuna murayiro mukuru kuna iyoyi.” Zvino munyori akati kwaari, “Zvakanaka Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo, kuti ndiye mumwechete, hakuna mumwe kunze kwake; nokumuda iye nomwoyo wose, nokufunga kwose, nesimba rose, nokuda wokwake sezvaanozvida pachake, zvinopfuura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose, nezvibayiro.” Zvino Jesu akati achiona kuti apindura nokufunga, akati kwaari, “Hausi kure noushe hwaMwari.” Kukasava nomunhu akazotsunga kumubvunza chinhu.

Verenga chikamu Mako 12