Mako 11
11
Jesu anogamuchirwa muJerusaremu
(Mateu 21:1-11, 18, 19; Ruka 19:28-40; Johani 12:12-19)
1Vakati vachiswedera Jerusaremu, paBhetifage neBhetania, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake, 2akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotasva nomunhu; muisunungure, mugouya nayo. 3Kana munhu akati kwamuri, munoitireiko kudaro? Muti, Ishe anoida. Pakarepo achaidzora pano.”
4Vakaenda, vakandowana mhuru yembongoro yakasungirwa kunze pamusuo, pamharadzano dzenzira, vakaisunungura. 5Vamwe vakanga vamirepo, vakati kwavari, “Munoiteiko zvamunosunungura mhuru yembongoro?”
6Vakavaudza sezvavakarairwa naJesu; vakavarega. 7Zvino vakauya nemhuru yembongoro kuna Jesu, vakawarira nguo dzavo pamusoro payo; iye ndokuitasva. 8Vazhinji vakawarira nguo dzavo panzira, navamwe mashizha avakanga vatema mubundo. 9Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera vakadanidzira, vachiti, “Hosana, ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe. 10Ngahukudzwe ushe hwaBaba vedu Dhavhidhi, hunouya! Hosana kumusoro-soro!”
11Ipapo Jesu akapinda Jerusaremu mutemberi; akati aringa-ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Bhetania ana vane gumi navaviri.
Jesu anotuka muonde wakanga usingabereki
12Fume mangwana vakati vachibva Bhetania, akaziya; 13zvino akati achiona muonde uri kure unamashizha, akaendako, achiti, zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamaonde.
14Akapindura, akati kwavari, “Kusava nomunhu, anozodya michero pauri nokusingaperi.” Vadzidzi vake vakazvinzwa.
Jesu anonatsa temberi
(Mateu 21:12-17, 20-22; Ruka 19:45-48; Johani 2:13-22)
15Vakasvika Jerusaremu; akapinda mutemberi, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva. 16Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutemberi.
17Akadzidzisa, achiti kwavari, “Hakuna kunyorwa here kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose?’ Asi imi makaiita bako ramakororo.”
18Vapristi vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
19Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, waienda kunze kweguta.
20Vakati vachipfuura napo mangwanani, vakaona muonde waoma kubva pamidzi. 21Petirosi akarangarira, akati kwaari, “Rabhi, tarirai muonde wamakatuka waoma.”
22Jesu akapindura, akati kwavari, “Ivai nokutendeka kuna Mwari. 23Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoti kugomo iri, simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaiitika, achava nazvo. 24Saka ndinoti kwamuri, zvinhu zvose zvose zvamunokumbira nokunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo. 25Kana mukamira muchinyengetera, regererai kana mune mhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vazokuregereiwo imi kudarika kwenyu; [ 26asi kana musingakanganwiriyi imi, nababa venyu vari kudenga havangakukanganwiriyi imi kudarika kwenyu.]”
Simba raJesu rinobvepi
(Mateu 21:23-27; Ruka 20:1-8)
27Vakasvikazve Jerusaremu. Zvino akati achifamba mutemberi, vapristi vakuru navanyori navakuru vakauya kwaari; 28vakati kwaari, “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko akakupai simba iri, kuti muite izvi?”
29Jesu akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe, mundipindure, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvozvi. 30Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei.”
31Vakataurirana, vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Makagoregerei kumutenda?’ 32Asi tingati, ‘Kuvanhu, here?’ ” Vakanga vachitya vanhu vazhinji, nokuti vose vakanga vachiti Johani muporofita zvirokwazvo. 33Vakapindura vachiti kuna Jesu, “Hatizivi.” Jesu akati kwavari, “Neni handingakuudziyiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mako 11: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002