Vakati vachiswedera Jerusaremu, paBhetifage neBhetania, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake, akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotasva nomunhu; muisunungure, mugouya nayo. Kana munhu akati kwamuri, munoitireiko kudaro? Muti, Ishe anoida. Pakarepo achaidzora pano.”
Vakaenda, vakandowana mhuru yembongoro yakasungirwa kunze pamusuo, pamharadzano dzenzira, vakaisunungura. Vamwe vakanga vamirepo, vakati kwavari, “Munoiteiko zvamunosunungura mhuru yembongoro?”
Vakavaudza sezvavakarairwa naJesu; vakavarega. Zvino vakauya nemhuru yembongoro kuna Jesu, vakawarira nguo dzavo pamusoro payo; iye ndokuitasva. Vazhinji vakawarira nguo dzavo panzira, navamwe mashizha avakanga vatema mubundo. Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera vakadanidzira, vachiti, “Hosana, ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe. Ngahukudzwe ushe hwaBaba vedu Dhavhidhi, hunouya! Hosana kumusoro-soro!”
Ipapo Jesu akapinda Jerusaremu mutemberi; akati aringa-ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Bhetania ana vane gumi navaviri.
Fume mangwana vakati vachibva Bhetania, akaziya; zvino akati achiona muonde uri kure unamashizha, akaendako, achiti, zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamaonde.
Akapindura, akati kwavari, “Kusava nomunhu, anozodya michero pauri nokusingaperi.” Vadzidzi vake vakazvinzwa.
Vakasvika Jerusaremu; akapinda mutemberi, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutemberi.
Akadzidzisa, achiti kwavari, “Hakuna kunyorwa here kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose?’ Asi imi makaiita bako ramakororo.”
Vapristi vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, waienda kunze kweguta.
Vakati vachipfuura napo mangwanani, vakaona muonde waoma kubva pamidzi. Petirosi akarangarira, akati kwaari, “Rabhi, tarirai muonde wamakatuka waoma.”
Jesu akapindura, akati kwavari, “Ivai nokutendeka kuna Mwari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoti kugomo iri, simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaiitika, achava nazvo. Saka ndinoti kwamuri, zvinhu zvose zvose zvamunokumbira nokunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo. Kana mukamira muchinyengetera, regererai kana mune mhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vazokuregereiwo imi kudarika kwenyu; [ asi kana musingakanganwiriyi imi, nababa venyu vari kudenga havangakukanganwiriyi imi kudarika kwenyu.]”