Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mika 2

2
1“Vane nhamo vanofunga zvakaipa vachiita zvisakarurama panhovo dzavo! Vanozviita mangwanani kana kwoedza, nokuti simba rokuzviita riri mumaoko avo. 2Vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, dzokuzvitorera idzo; vanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake. 3Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungagoni kubvisa mitsipa yenyu pazvivi, hamungafambi namanyawi, nokuti inguva yakaipa.’ 4Nezuva iro vachataura mufananidzo pamusoro penyu, nokuchema nokuchema kwokurira, vachiti, ‘Takaparadzwa chose, iye unopa vamwe mugove wavanhu vangu, aiwa wanditorera ini sei! Minda yedu anoigovera vanomumukira.’
5“Saka iwe uchashaiwa munhu anokukandira rwonzi rwokuyera nhaka yako paungano yaJehovha. 6Regai kuporofita ndizvo zvavanoporofita ivo. Kana vasingaporofiti pamusoro pezvinhu izvi, kushoora kwavo hakungaperi. 7Nhai imi munonzi imba yaJakobho, Mweya waJehovha wafupiswa here? Ndiwo mabasa ake here? Ko mashoko angu haangaitiri zvakanaka anofamba nokururama here?
8“Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi; munobvisa jasi panguo dzavanopfuura havo norugare vasingadi kurwa. 9Munodzinga vakadzi vavanhu vangu padzimba dzavo dzinofadza; munoterera vana vavo vaduku mbiri yangu nokusingaperi. 10Simukai, muende, nokuti haizi nzvimbo yokuzorora pano, nemhaka yetsvina inoparadza nokuparadza kwakaipa kwazvo. 11Kana munhu aripo, anofambira mhepo nenhema, anoreva nhema achiti, ‘Ndichakuporofitera zvewaini nezvinonwiwa zvinobata,’ ndiye achava muporofita wavanhu ava.
12“Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, imi Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara vaIsiraeri; ndichavaisa pamwechete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu. 13Mupasanuri wakavatungamirira; vakapasanura, vakapfuurira kusuo, vakabuda napo; mambo wavo wakavatungamirira, Jehovha ari pamberi pavo.”

Zvasarudzwa nguva ino

Mika 2: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda