Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 9:1-13

Mateu 9:1-13 SNA2002

Akapinda muigwa, akayambuka, ndokusvika kuguta rake. Zvino vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mitezo achiona kutenda kwavo, akati kumunhu akanga akafa mitezo, “Mwana, tsunga mwoyo, waregererwa zvivi zvako.” Zvino vamwe vavanyori vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu anoshonha Mwari.” Asi Jesu achiziva mifungo yavo, akati, “Munofungireiko zvakaipa mumwoyo yenyu? Nokuti chinyiko chakareruka, kuti, ‘Wakaregererwa zvivi zvako,’ kana kuti, ‘Simuka, ufambe?’ Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi,” (akati kumunhu akanga akafa mitezo,) “Simuka, tora nhoo dzako, uende kumba kwako!” Akasimuka, akaenda kumba kwake. Vanhu vazhinji vakati vachizviona, vakatya, vakarumbidza Mwari, akapa vanhu simba rakadai. Jesu akati achibvapo, akaona munhu, ainzi Mateu, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere!” Ipapo akasimuka, akamutevera. Zvino akati agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake. Zvino vaFarisi vachizviona, vakati kuvadzidzi vake, “Mudzidzisi wenyu anodyireiko navateresi navatadzi?” Iye, achizvinzwa, akati, “Vasingarwari havatsvaki n'anga, asi vanorwara. Asi endai, mudzidze kuti ndokudiniko kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro;’ nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”

Verenga chikamu Mateu 9