Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 5:21-42

Mateu 5:21-42 SNA2002

“Makanzwa kuti zvakanzi kunavakare, ‘Usauraya; ani naani anouraya achapara mhosva ingatongwa;’ asi ini ndinoti kwamuri, ‘Anotsamwira hama yake achapara mhosva ingatongwa;’ anoti kuhama yake, ‘Raka’ achapara mhosva kumakurukota; anoti, ‘Benzi,’ achapara mhosva kuti atongwerwe Gehena romoto. “Naizvozvo kana iwe uchiuya nechipo chako paaritari, ukarangarira ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, usiye chipo chako ipapo pamberi pearitari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozouya woisa chipo chako. “Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako, uchiri munzira naye; kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukaiswa mujeri. “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe anotarira mukadzi achimuchiva, atoita upombwe naye mumwoyo make. Kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uribvise, urirasire kure kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena. Kana ruoko rwako rworudyi ruchikugumbusa, urugure ururasire kure kwauri, nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.’ Zvakanziwo, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwokumuramba.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe unoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva youpombwe, anomuitisa upombwe; ani naani aNowana arambwa, anoita upombwe.’ “Makanzwawo kuti zvakanzi kunavakare, ‘Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musatongopika, kana nokudenga, nokuti ndicho chigaro choushe chaMwari; kana nenyika, nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusaremu, nokuti ndiro guta raMambo mukuru. Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.’ Asi shoko renyu rizoti, ‘Hongu,’ ave ‘hongu;’ ‘Kwete,’ ave ‘kwete;’ zvinopfuura izvozvo zvinobva kumuipi. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsihwa neziso, zino nezino.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musadzivisa akaipa, asi anokurova padama rorudyi, umurinzire rimwewo.’ Kana munhu achida kukukwirira, kuti akutorere nguo yako yomukati, umutendere nenguo yokunzewo. Ani naani anokumanikidza kuenda maira imwe, uende naye mbiri. “Anokumbira kwauri mupe, usafuratira anoda kukwereta kwauri.

Verenga chikamu Mateu 5