Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 5:1-8

Mateu 5:1-8 SNA2002

Akati achiona vanhu vazhinji, akakwira mugomo; akagara pasi, vadzidzi vake vakaswedera kwaari. Akashama muromo wake, akavadzidzisa, achiti, “Vakaropafadzwa varombo mumweya; nokuti ushe hwedenga ndohwavo. “Vakaropafadzwa vanochema; nokuti vachanyaradzwa. “Vakaropafadzwa vakapfava; nokuti vachagara nhaka yenyika. “Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yoururami; nokuti vachagutiswa. “Vakaropafadzwa vane ngoni; nokuti vachaitirwa ngoni. “Vakaropafadzwa vane mwoyo yakachena; nokuti vachaona Mwari.

Verenga chikamu Mateu 5