Akati achiona vanhu vazhinji, akakwira mugomo; akagara pasi, vadzidzi vake vakaswedera kwaari. Akashama muromo wake, akavadzidzisa, achiti, “Vakaropafadzwa varombo mumweya; nokuti ushe hwedenga ndohwavo. “Vakaropafadzwa vanochema; nokuti vachanyaradzwa. “Vakaropafadzwa vakapfava; nokuti vachagara nhaka yenyika. “Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yoururami; nokuti vachagutiswa. “Vakaropafadzwa vane ngoni; nokuti vachaitirwa ngoni. “Vakaropafadzwa vane mwoyo yakachena; nokuti vachaona Mwari. “Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti vachanzi vana vaMwari. “Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama; nokuti ushe hwedenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu. Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai. “Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu washapa, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe navanhu. “Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki. Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko, uvhenekere vose vari mumba. Naizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze baba venyu vari kudenga.
Verenga chikamu Mateu 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 5:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo