Akati achiona vanhu vazhinji, akakwira mugomo; akagara pasi, vadzidzi vake vakaswedera kwaari. Akashama muromo wake, akavadzidzisa, achiti, “Vakaropafadzwa varombo mumweya; nokuti ushe hwedenga ndohwavo. “Vakaropafadzwa vanochema; nokuti vachanyaradzwa. “Vakaropafadzwa vakapfava; nokuti vachagara nhaka yenyika. “Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yoururami; nokuti vachagutiswa. “Vakaropafadzwa vane ngoni; nokuti vachaitirwa ngoni. “Vakaropafadzwa vane mwoyo yakachena; nokuti vachaona Mwari. “Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti vachanzi vana vaMwari. “Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama; nokuti ushe hwedenga ndohwavo.
Verenga chikamu Mateu 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 5:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo