Zvino Jesu akatungamirirwa naMweya kurenje, kuzoedzwa naDhiabhori. Akati azvinyima zvokudya mazuva ana makumi mana, nousiku hunamakumi mana, akabva oziya. Zvino muedzi akauya akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, taura kuti mabwe awa zvive zvingwa.”
Asi akapindura, akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.’ ”
Zvino Dhiabhori akaenda naye kuguta dzvene, akamumisa pachiruvi chetemberi, akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kuchinzi,
‘Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako,
Pamaoko avo vachakusimudza,
Kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.’ ”
Jesu akati kwaari, “Kwakanyorwawo, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ”
Dhiabhori akamuisazve pagomo refu-refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika, nokubwinya kwahwo; akati kwaari, “Izvi zvose ndichakupa, kana ukawira pasi ukandipfugamira.”
Ipapo Jesu akati kwaari, “Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Pfugamira Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ”
Zvino Dhiabhori akamusiya, vatumwa vakauya vakamushandira.
Jesu akati anzwa kuti Johani asungwa, akaenda Gariria.