Namazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea, achiti, “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.” Nokuti uyu ndiye wakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Izwi raanodana murenje: ‘Gadzirai nzira yaIshe, Ruramisai migwagwa yake.’ ” Iye Johani aiva nenguo yamakushe engamera, nebhanhire reganda pachiuno chake; zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi hwemusango Zvino veJerusaremu rose neJudhea nenyika yose yakapoteredza Jorodhani vakabudira kwaari, vakabhabhatidzwa naye murwizi Jorodhani vachireurura zvivi zvavo. Asi akati achiona vazhinji vavaFarisi navaSadhusi vachiuya kuzobhabhatidzwa, akati kwavari, “Vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya? Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka. Musafunga kutaura mumwoyo menyu, muchiti, ‘Abhurahamu ndibaba vedu;’ nokuti ndinoti kwamuri, ‘Mwari angamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.’ Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; saka muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto. Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, kuti mutendeuke; asi anouya shure kwangu, anesimba, kupfuwureni, wandisakafanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene nomoto.
Verenga chikamu Mateu 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 3:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo