Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 28:5-20

Mateu 28:5-20 SNA2002

Zvino mutumwa akapindura, akati kuvakadzi, “Musatya imi, nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu, akanga akaroverwa pamuchinjikwa. Haapo pano, nokuti akamuka, sezvaakareva. Uyai, muone paakanga akaradzikwa. “Kurumidzai muende mundoudza vadzidzi vake, ‘Kuti akamuka kuvakafa;’ tarirai anokutungamirirai Gariria, muchandomuonapo. Tarirai, ndakuudzai.” Zvino vakakurumidza kubva pabwiro, vachitya nokufara zvikuru, vakamhanyira kundoudza vadzidzi vake. Zvino tarira, Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai!” Vakauya, vakabata tsoka dzake, vakamupfugamira. Zvino Jesu akati kwavari, “Musatya, endai mundoudza hama dzangu, kuti vaende Gariria, vagondionako.” Zvino vachiri munzira, vamwe vagariri vakasvika muguta, vakaudza vapristi vakuru zvose zvakaitwa. Vakati vaungana navakuru, vakarangana, vakapa varwi mari zhinji, vachiti, “Taurai muchiti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba, isu tivete.’ Kana zvikanzwika nagavhuna, tichamutendisa, imi murege kusundirwa mhosva.” Zvino vakatora mari, vakaita sezvavakadzidziswa, shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Zvino vadzidzi vane gumi nomumwe vakaenda Gariria, kugomo ravakarayirwa naJesu. Vakati vachimuona, vakamupfugamira, asi vamwe vakanyunyuta. Ipapo Jesu akasvika, akataura kwavari, akati, “Ndakapiwa simba rose kudenga napanyika. Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene; muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.”

Verenga chikamu Mateu 28