“Nokuti zvakafanana nomunhu akaenda kune imwe nyika, akadana varanda vake, akavaronzera pfuma yake. Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake; akaenda kune imwe nyika. Pakarepo iye, akapiwa matarenda mashanu, akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu. Saizvozvowo, akapiwa maviri, akawana mamwe maviri. Asi akapiwa rimwe, akenda, akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.
Verenga chikamu Mateu 25
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 25:14-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo