Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 25:14-18

Mateu 25:14-18 SNA2002

“Nokuti zvakafanana nomunhu akaenda kune imwe nyika, akadana varanda vake, akavaronzera pfuma yake. Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake; akaenda kune imwe nyika. Pakarepo iye, akapiwa matarenda mashanu, akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu. Saizvozvowo, akapiwa maviri, akawana mamwe maviri. Asi akapiwa rimwe, akenda, akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.

Verenga chikamu Mateu 25