Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 25:1-30

Mateu 25:1-30 SNA2002

“Zvino ushe hwedenga hungafananidzwa navasikana vane gumi, vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza muwani. Vashanu vavo vakanga vasina hanya, vashanu vakanga vakachenjera. “Nokuti vasina hanya vakatora mwenje yawo, vakasatora mafuta. Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo. Zvino, muwani akati anonoka, vakakotsira vose, vakavata. “Pakati pohusiku vakanzwa mheremhere, ‘Muwani auya! Budai mumuchingamidze!’ Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo. Vasina hanya vakati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe mafuta enyu, nokuti mwenje yedu yodzima.’ Asi vakachenjera vakapindura, vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose; endai henyu kuna vanotengesa, muzvitengere.’ Vakati vachienda kundotenga, muwani ndokusvika; zvino, vakanga vakazvigadzira vakapinda naye pamutambo wemuchato, mukova ukapfigwa. “Pashure vaya vamwe vasikana vakasvika, vakati, ‘Ishe, Ishe, tizarurireiwo!’ “Akapindura, akati, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, handikuzivii imi.’ ” “Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana nguva. “Nokuti zvakafanana nomunhu akaenda kune imwe nyika, akadana varanda vake, akavaronzera pfuma yake. Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake; akaenda kune imwe nyika. Pakarepo iye, akapiwa matarenda mashanu, akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu. Saizvozvowo, akapiwa maviri, akawana mamwe maviri. Asi akapiwa rimwe, akenda, akachera pasi, akaviga mari yaishe wake. “Nguva huru yakati yapfuura, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko navo. Akanga apiwa matarenda mashanu, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda mashanu, tarirai, ndawana mamwe matarenda mashanu.’ Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’ Akanga apiwa matarenda maviri akauyawo, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri.’ Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda akanaka, akatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’ “Akanga apiwa tarenda rimwe, naiye akauyawo, akati, ‘Ishe, ndakanga ndichikuzivai imi, kuti muri munhu anehasha, munokohwa pamusati makadyara, munounganidza pamusati makakusha; zvino ndakatya, ndikandoviga tarenda renyu pasi; hecho, chinhu chenyu!’ Ishe wake akapindura, akati kwaari, ‘Iwe, muranda akaipa, unousimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudyara, ndichiunganidza pandisina kukusha; saka waifanira kuisa mari yangu kune vane bhangi, kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda. Naizvozvo mutorerei tarenda rake, mupe ana matarenda ane gumi. Nokuti mumwe nomumwe unazvo, achapiwa, ave nezvizhinji; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo. Budisirai muranda pasina, murima nokunze; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.’

Verenga chikamu Mateu 25