Akati agara pagomo reMiorivhi, vadzidzi vake vakauya kwaari, vari voga, vakati, “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu;’ vachitsausa vazhinji. Muchanzwa zvokurwa nenyaya yokurwa; chenjerai, musavhunduka, nokuti izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika. Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe; nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji. “Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo. “Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu. Vazhinji vachagumburwa, vachaisana kuvatongi nokuvengana. “Vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vachitsausa vazhinji. Rudo rwavazhinji ruchatonhora, nokuti kusarurama kuchawanda. Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, achaponeswa. Vhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.
Verenga chikamu Mateu 24
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 24:3-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo