Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 23:1-22

Mateu 23:1-22 SNA2002

Zvino Jesu akataura kuvanhu vazhinji navadzidzi vake, akati, “Vanyori navaFarisi vagere pachigaro chaMosesi; saka zvose zvavanokuudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo. Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera avo, vanokurisa mipeto yenguo dzavo, vanofarira zvigaro zvapamberi pamitambo, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare, nokunzi, ‘Rabhi’ navanhu. Asi imi musanzi, ‘Rabhi;’ nokuti mudzidzisi wenyu ndomumwe, imi mose muri hama. Musati munhu ari panyika baba venyu, nokuti mumwechete ndiBaba venyu, ivo vari kudenga. Musati ‘Vatenzi,’ nokuti mumwechete, nditenzi wenyu, iye Kristu. Asi mukuru pakati penyu ngaave muranda wenyu. Ani naani anozvikudza achaninipiswa, naani naani anozvininipisa, achakudzwa. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwedenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo, vopinda, hamuvatenderi kupinda. [ Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munoparadza dzimba dzechirikadzi muchiita minyengetero mirefu yemanomano; naizvozvo muchatongerwa zvakaipa nokupfuurisa.] “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe; kana awanikwa, munomuita mwanakomana weGehena kukunda imi kaviri. “Mune nhamo, imi vatungamiriri vakapofumara, munoti, ‘Ani naani anopika netemberi, hazvina hazvo; asi ani naani anopika nendarama yetemberi, ndiye anemhosva.’ Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, ndarama kana temberi, inoita ndarama ive tsvene? Munotizve, ‘Ani naani anopika nearitari, hazvina hazvo; asi ani naani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ndiye ane mhosva.’ Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, chipo kana aritari, inoita chipo chive chitsvene? “Naizvozvo, anopika nearitari, anopika nayo, nezvose zviri pamusoro payo. “Neanopika netemberi, anopika nayoo, neanogara mairi. Neanopika nedenga, anopika nechigaro choushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho.

Verenga chikamu Mateu 23