Zvino Jesu akataura kuvanhu vazhinji navadzidzi vake, akati, “Vanyori navaFarisi vagere pachigaro chaMosesi; saka zvose zvavanokuudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo. Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera avo, vanokurisa mipeto yenguo dzavo, vanofarira zvigaro zvapamberi pamitambo, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare, nokunzi, ‘Rabhi’ navanhu. Asi imi musanzi, ‘Rabhi;’ nokuti mudzidzisi wenyu ndomumwe, imi mose muri hama. Musati munhu ari panyika baba venyu, nokuti mumwechete ndiBaba venyu, ivo vari kudenga. Musati ‘Vatenzi,’ nokuti mumwechete, nditenzi wenyu, iye Kristu. Asi mukuru pakati penyu ngaave muranda wenyu. Ani naani anozvikudza achaninipiswa, naani naani anozvininipisa, achakudzwa.
Verenga chikamu Mateu 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 23:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo