Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 21:19-32

Mateu 21:19-32 SNA2002

Zvino, akati achiona muonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwauri, “Ngakurege kuva nemichero kwauri nokusingaperi.” Muonde ukaoma pakarepo. Vadzidzi vakati vachizviona, vakashamiswa, vakati, “Muonde waoma pakarepo seiko?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri, ‘Simudzwa, ukandirwe mugungwa,’ zvichaitwa. Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa.” Akati achipinda mutemberi, vapristi vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati, “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani akakupai simba iri?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvi. “Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here?” Vakataurirana vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ uchati kwatiri, ‘Makagoregerei kumutenda?’ Asi kana tikati, ‘Kuvanhu,’ tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vanoti, Johani muporofita.” Vakapindura, vakati kuna Jesu, “Hatizivi.” Akati kwavari, “Neni handingakuudziyiwo simba randinoita naro zvinhu izvi. “Zvino munofungeiko? Mumwe munhu akanga ana vana vaviri; akaenda kuno wokutanga, akati, ‘Mwana, enda nhasi undoshanda mumunda wangu wemidzambiringa.’ Iye akapindura, akati, ‘Handidi;’ asi pashure akazvidya mwoyo, akaenda. Akaenda kuno wechipiri, akataura saizvozvo. Iye akapindura, akati, ‘Ndinoenda, ishe;’ akasaenda. “Ndoupiko kunaivavo vaviri akaita kuda kwababa vake?” Vakati, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vateresi nezvipfeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari. Nokuti Johani akauya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvipfeve vakamutenda. Imi makati muchiona izvozvo, hamuna kuzopinduka mukamutenda.

Verenga chikamu Mateu 21