Vakati vachisvika Bhetifage, pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana dhongi nemwana waro akasungirirwa, murisunungure, muuye naro kwandiri. Kana ani naani achitaura chinhu kwamuri, muti, ‘Ishe anorida;’ pakarepo acharidzosa.”
Izvozvo zvakaitwa, kuti zvakataurwa nomuporofita zviitike, paakati,
“Udzai mwanasikana weZioni,
Tarira Mambo wako anouya kwauri,
Ari munyoro, akatasva dhongi,
Nemhuru yechipfuwo chinokweva.”
Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu, vakauya nedhongi nemwana waro, vakaisa nguo dzavo pamusoro paro; Jesu ndokuritasva.
Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira.
Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira, navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusorosoro!”
Akati apinda Jerusaremu, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati, “Uyu ndianiko?”
Vanhu vazhinji vakati, “NdiJesu muporofita weNazareta reGariria.”
Zvino Jesu akapinda mutemberi, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva, akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi munoiita bako ramakororo.”
Zvino mapofu navaikamhinha vakauya kwaari mutemberi akavaporesa.