Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 2:1-23

Mateu 2:1-23 SNA2002

Jesu akati aberekwa muBheterehemu reJudhea, pamazuva amambo Herodhi, tarira, vachenjeri vakasvika Jerusaremu vachibva mabvazuva, vakati, “Aripiko Mambo wavaJudha akazvarwa? Nokuti takaona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomupfugamira.” Mambo Herodhi akati achizvinzwa, akatambudzika kwazvo, neJerusaremu rose naye. Akakokera vapristi vakuru vose navanyori pakati pevanhu, akavabvunza kuti, “Kristu uchaberekerwepi.” Vakati kwaari, “MuBheterehemu reJudhea; nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita, zvichinzi; ‘Newe Bheterehemu, nyika yeJudhea, Hausi muduku kwazvo kuvabati vaJudha; Nokuti mauri muchabuda Mutungamiriri, Achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Zvino Herodhi akadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakaonekwa nyeredzi navo, akavatuma Bheterehemu, akati, “Endai munatsobvunzisisa zvomwana; kana mamuwana, mundiudze, kuti neniwo ndiuye kuzomupfugamirawo.” Vakati vanzwa mambo, vakaenda; zvino, tarira, nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba makanga munomwana. Vakati vaona nyeredzi, vakafara nomufaro mukuru-kuru. Vakapinda mumba, vakawana mwana naMaria mai vake; vakawira pasi, vakamupfugamira; vakasunungura mabutwa avo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira, nemura. Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kuna Herodhi, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira. Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota, achiti, “Simuka, utore mwana namai vake, utizire Ijipiti, ugareko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhi achatsvaka mwana kuti amuuraye.” Akasimuka, akatora mwana namai vake usiku, akaenda Ijipiti, akagarako kusvikira Herodhi afa, kuti zviitike zvakarehwa naIshe nomuromo womuporofita, achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.” Zvino Herodhi, akati aona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo; akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose vaiva muBheterehemu munyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri. Zvikaitika zvakarehwa nomuporofita Jeremiya, achiti, “Izwi rakanzwika muRama, Rokuchema nokurira kukuru; Rakeri achichema vana vake, Asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.” Herodhi akati afa, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota muIjipiti, akati, “Simuka, utore mwana namai vake, uende kunyika yaIsiraeri, nokuti vaitsvaka kuuraya mwana vakafa.” Akasimuka, ndokutora mwana namai vake, akasvika kunyika yaIsiraeri. Asi, akati achinzwa kuti Arikerao wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako; akanyeverwa mukurota, akaenda kumativi enyika yeGariria; akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti zvakarehwa navaporofita zviitike, kuti achanzi muNazareta.

Verenga chikamu Mateu 2