Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 2:1-11

Mateu 2:1-11 SNA2002

Jesu akati aberekwa muBheterehemu reJudhea, pamazuva amambo Herodhi, tarira, vachenjeri vakasvika Jerusaremu vachibva mabvazuva, vakati, “Aripiko Mambo wavaJudha akazvarwa? Nokuti takaona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomupfugamira.” Mambo Herodhi akati achizvinzwa, akatambudzika kwazvo, neJerusaremu rose naye. Akakokera vapristi vakuru vose navanyori pakati pevanhu, akavabvunza kuti, “Kristu uchaberekerwepi.” Vakati kwaari, “MuBheterehemu reJudhea; nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita, zvichinzi; ‘Newe Bheterehemu, nyika yeJudhea, Hausi muduku kwazvo kuvabati vaJudha; Nokuti mauri muchabuda Mutungamiriri, Achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Zvino Herodhi akadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakaonekwa nyeredzi navo, akavatuma Bheterehemu, akati, “Endai munatsobvunzisisa zvomwana; kana mamuwana, mundiudze, kuti neniwo ndiuye kuzomupfugamirawo.” Vakati vanzwa mambo, vakaenda; zvino, tarira, nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba makanga munomwana. Vakati vaona nyeredzi, vakafara nomufaro mukuru-kuru. Vakapinda mumba, vakawana mwana naMaria mai vake; vakawira pasi, vakamupfugamira; vakasunungura mabutwa avo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira, nemura.

Verenga chikamu Mateu 2