Jesu akati apedza mashoko iwayo, akabva Gariria, akaenda kunyika yeJudhea mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, akavaporesapo.
VaFarisi vakauya kwaari, vakamuedza, vachiti, “Ko munhu anotenderwa kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?”
Akapindura, akati, “Hamuna kurava here, kuti uyo akavasika pakutanga, akavaita munhurume nomunhukadzi?” Akati, “Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe. Nokudaro havachiri vaviri, asi vava nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasanganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
Vakati kwaari, “Mosesi wakagorayireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomuramba?”
Akati kwavari, “Nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu Mosesi akakutenderai kuramba vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro. Ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe; noanowana wakarambwa, anoita upombwe.”
Vadzidzi vakati kwaari, “Kana zvakadaro pakati pomurume nomukadzi, hazvina kunaka kuwana.”
Asi iye akati kwavari, “Vose havagamuchiri shoko iri, asi avo vakazvipiwa. Nokuti ngomwa dziripo, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; ngomwa dziripo, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda kwoushe hwedenga. Angagamuchira shoko iri, ngaarigamuchire.”
Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti aise maoko pamusoro pavo, avanyengeterere; vadzidzi vakavadzivisa. Asi Jesu akati kwavari, “Regai vana vaduku, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekudenga ndohwavakadai.” Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo.