Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani munun'una wake, akaenda navo mugomo refu vari voga. Akasanduka pamberi pavo; chiso chake chikapenya sezuva, nguo dzake dzikachena sechiedza. Pakarepo Mosesi naEria vakaonekwa navo, vachitaurirana naye. Zvino Petirosi akapindura, akati kuna Jesu, “Ishe, zvakanaka zvatiri pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.”
Akati achataura navo, tarira, gore rinobwinya rikavafukidza; izwi rikabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu mudiwa, wandinofarira, mumunzwei.”
Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawira pasi nezviso zvavo, vakatya zvikuru. Jesu akaswedera, akavabata, akati, “Simukai, musatya.”
Vakati vachitarira, havana kuzoona munhu, asi Jesu bedzi.
Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, akati, “Musaudza munhu zvamaratidzwa, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.”
Vadzidzi vakamubvunza, vachiti, “Vanyori vanotaurireiko, vachiti, Eria anofanira kutanga kuuya?”
Akapindura, akati, “Eria achauya hake, avandudze zvinhu zvose.” Asi ndinoti kwamuri, “Eria akatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achabva otambudzwa navo.”
Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti akavaudza zvaJohani Mubhabhatidzi.
Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe munhu akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti ane tsviyo, anotambudzika kwazvo. Nokuti kazhinji anowira mumoto, kazhinji mumvura. Ndakauya naye kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa.” Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai naye pano kwandiri.” Zvino Jesu akamuraira, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyo.
Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga, vakati, “Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?”
Akati kwavari, “Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana muno kutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, mungati kugomo iri, ‘Ibva pano, enda koko!’ Ringaenda hakuna chinhu chingakukundai.” [ Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera, nokuzvinyima zvokudya.]
Zvino vachafamba muGariria, Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achabva oiswa mumaoko avanhu; vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswazve.” Vakafa neshungu kwazvo.