Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 16:21-23

Mateu 16:21-23 SNA2002

Kubva panguva iyo Jesu akatanga kuzivisa vadzidzi vake, kuti anofanira kuenda Jerusaremu, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswazve nezuva retatu. Petirosi akaenda naye vari voga, akatanga kumuraira, akati, “Mwari ngaakunzwirei ngoni, Ishe! Hamungaitirwi izvozvo.” Asi wakatendeuka, akati kuna Petirosi, “Ndibvirepo Satani! Uri chigumburiso kwandiri, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”

Verenga chikamu Mateu 16