Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 16:13-28

Mateu 16:13-28 SNA2002

Jesu akati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake, akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?” Vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe Jeremiya, kana mumwe wavaporofita.” Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Ipapo Simoni Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akapindura, akati kwaari, “Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bharijona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vangu vari kudenga. Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petirosi, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuo eHadhesi haangaikundi. Ndichakupa kiyi dzoushe hwedenga; chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kudenga, nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.” Ipapo akaraira vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Kristu. Kubva panguva iyo Jesu akatanga kuzivisa vadzidzi vake, kuti anofanira kuenda Jerusaremu, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswazve nezuva retatu. Petirosi akaenda naye vari voga, akatanga kumuraira, akati, “Mwari ngaakunzwirei ngoni, Ishe! Hamungaitirwi izvozvo.” Asi wakatendeuka, akati kuna Petirosi, “Ndibvirepo Satani! Uri chigumburiso kwandiri, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.” Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana. Nokuti munhu achabatsirwa neiko kana awana nyika yose, akarasikirwa noupenyu hwake? Kana munhu acharipeiko kuti adzikinure hupenyu hwake? Nokuti Mwanakomana womunhu achauya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake; ipapo acharipira mumwe nomumwe paakashanda napo. Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuna vamwe vamire pano, vasingazonzwi rufu, vasati vaona Mwanakomana womunhu achiuya muushe hwake.”

Verenga chikamu Mateu 16