Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pauswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji. Vakadya vose, vakaguta; vakaunganidza zvimedu zvakasara, matengu ane gumi namaviri azere. Vakanga vadya vaiva varume vane zviuru zvishanu, vakadzi navana vasingaverengwi. Pakarepo wakagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire mhiri, iye ndokusara kuendesa vanhu vazhinji. Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; ava madekwana akanga aripo ari oga.
Verenga chikamu Mateu 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 14:18-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo