Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 14:15-21

Mateu 14:15-21 SNA2002

Zvino ava madekwana, vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Pano irenje, zuva roda kuvira, endesai vanhu vazhinji, vaende kumisha, vandozvitengera zvokudya.” Asi Jesu akati kwavari, “Havafaniri havo kuenda; imi muvape zvavangadya.” Vakati kwaari, “Hatina chinhu pano, asi zvingwa zvishanu bedzi nehove mbiri.” Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pauswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji. Vakadya vose, vakaguta; vakaunganidza zvimedu zvakasara, matengu ane gumi namaviri azere. Vakanga vadya vaiva varume vane zviuru zvishanu, vakadzi navana vasingaverengwi.

Verenga chikamu Mateu 14