“Itai muti uve wakanaka, nemichero yawo yakanakawo; kana itai muti uve wakaipa, nemichero yawo yakaipawo; nokuti muti unozikanwa nemichero yawo. Imi, vana venyoka, mungagona seiko kutaura zvinhu zvakanaka, zvamuri vakaipa? Nokuti muromo unotaura zvizere mumwoyo.
“Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka; nomunhu akaipa anobudisa zvinhu zvakaipa papfuma yake yakaipa. Ndinoti kwamuri, shoko rimwe nerimwe risina maturo rakarehwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga. Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, uye namashoko ako uchapiwa mhosva.”
Zvino vamwe vanyori navaFarisi vakapindura, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kwamuri.” Akapindura, akati kwavari, “Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chomuporofita Jona. Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu nousiku utatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu achava mumwoyo wenyika mazuva matatu nousiku utatu. Varume veNinivhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu, vacharupa mhosva, nokuti vakatendeuka nokuparidza kwaJona; asi tarirai, mukuru kuna Jona ari pano. Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa norudzi urwu, acharupa mhosva, nokuti akabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; asi tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
“Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu unopota panzvimbo dzisina mvura, uchitsvaka zororo, uchirishayiwa.
“Zvino unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda;’ asi uchisvika, unoiwana isina chiro, yakatsvairwa, yanatswa. Zvino unoenda, ndokutora mimwe mweya minomwe inoupfuura nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo. Kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Zvichaita saizvozvowo norudzi urwu rwakaipa.”
Akati achataura navanhu vazhinji, tarira, mai vake navanun'una vake vakamira kunze, vachitsvaka kutaura naye. Mumwe akati kwaari, “Havo mai venyu navanun'una venyu vamire kunze, vachitsvaka kutaura nemi.”
Akapindura, akati kuna iye amuudza, “Mai vangu ndianiko, navanun'una vangu ndivanaaniko?” Ndokutambanudza ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati, “Tarirai, mai vangu navanun'una vangu!
“Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, ndiye mukoma nomunun'una, nehanzvadzi, namai kwandiri.”