Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 11:1-15

Mateu 11:1-15 SNA2002

Jesu akati apedza kuraira vadzidzi vake vane gumi navaviri, akapfuura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta avo. Zvino Johani, ari mutorongo, akanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake, achiti kwaari, “Ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Endai, mundoudza Johani zvamunonzwa nezvamunoona; zvokuti, mapofu anosvinudzwa, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vamatsi vanonzwa, vakafa navarombo vanoparidzirwa vhangeri. Akaropafadzwa iye asingagumburwi neni.” Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, akati, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here? Ko makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguo nyoro vari mudzimba dzamadzimambo. Asi makanga mabudireiko? Kuzoona muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri, anopfuura kwazvo muporofita. Nokuti ndiye akanyorwa pamusoro pake, zvichinzi, ‘Tarira, ndinotuma munyai wangu pamberi pako, Achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’ Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna kumuka mukuru kunaJohani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwedenga mukuru kwaari. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwedenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba. Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kusvikira kuna Johani. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achinzi anouya. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

Verenga chikamu Mateu 11