Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 7:17-23

Ruka 7:17-23 SNA2002

Shoko iri pamusoro pake rikazwika muJudhea rose nenyika yose yakapoteredza. Vadzidzi vaJohani vakamuudza izvozvo zvose. Johani akadana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kuna Ishe neshoko rokuti, “Ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?” Zvino varume vachisvika kwaari, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatitumira kwamuri neshoko rokuti, ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?” Nenguva iyo akaporesa vazhinji hosha dzavo, nohurwere, nemweya yakaipa; namapofu mazhinji akavasvinudza meso avo. Akapindura, akati kwavari, “Endai, mundoudza Johani zvamakaona nezvamakanzwa; zvokuti, mapofu anoona, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vamatsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, navarombo vanoparidzirwa Vhangeri. Akaropafadzwa asingagumburwi neni.”

Verenga chikamu Ruka 7