Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 7:1-30

Ruka 7:1-30 SNA2002

Zvino akati apedzisa mashoko ake ose, vanhu vachianzwa, akapinda Kapenaume. Muranda womumwe mukuru wezana aidikanwa naye, akanga achirwara, achitandadza. Zvino akati anzwa zvaJesu, akatuma vakuru vavaJudha kwaari achikumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. Ivo vakati vachisvika kuna Jesu, vakakumbira zvikuru kwaari, vachiti, “Iye akafanira kuti mumuitire izvozvo; nokuti anoda rudzi rwedu, ndiye akativakira sinagoge redu.” Jesu akaenda navo. Zvino ava pedyo neimba, mukuru wezana akatuma shamwari dzake, kuzoti kwaari, “Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu; naizvozvo ndakati handifaniri kuuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda wangu achapora. Nokuti neniwo ndiri munhu akaiswa pasi pavamwe, ndinavarwi pasi pangu; kana ndikati kune mumwe, ‘Enda!’ Anoenda; kune mumwe, ‘Uya!’ Anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ anoita.” Jesu akati achinzwa izvozvo, akashamiswa naye, akatendeuka, akati kuvazhinji vakanga vachimutevera, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsiraeri.” Vakanga vatumwa vachidzokera kumba, vakandowana muranda apora. Zvino nezuva rinotevera, akaenda kuguta rainzi Naini; vadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye. Zvino, akati achiswedera pedyo nesuo reguta, akaona vanhu vakanga vakatakura munhu akafa, mwanakomana mumwe oga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye. Zvino Ishe akati achimuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari, “Usachema.” Ipapo akaswedera, akabata hwanyanza; vakanga vachitakura vakamira. Akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka.” Iye akanga afa akagara, akatanga kutaura; akamupa mai vake. Vose vakabatwa nokutya; vakarumbidza Mwari, vachiti, “Muporofita mukuru akamuka pakati pedu; uyezve Mwari akashanyira vanhu vake.” Shoko iri pamusoro pake rikazwika muJudhea rose nenyika yose yakapoteredza. Vadzidzi vaJohani vakamuudza izvozvo zvose. Johani akadana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kuna Ishe neshoko rokuti, “Ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?” Zvino varume vachisvika kwaari, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatitumira kwamuri neshoko rokuti, ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?” Nenguva iyo akaporesa vazhinji hosha dzavo, nohurwere, nemweya yakaipa; namapofu mazhinji akavasvinudza meso avo. Akapindura, akati kwavari, “Endai, mundoudza Johani zvamakaona nezvamakanzwa; zvokuti, mapofu anoona, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vamatsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, navarombo vanoparidzirwa Vhangeri. Akaropafadzwa asingagumburwi neni.” Nhume dzaJohani dzakati dzabva, akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, achiti, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here? Asi makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vane nguo dzinobwinya, navanogara zvinonaka, vari mudzimba dzamadzimambo. Asi makanga mabuda kundooneiko? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri, ‘Anopfuura zvikuru muporofita.’ Uyu ndiye akanyorwa pamusoro pake, zvichinzi, ‘Tarira, ndinotuma munyai wangu pamberi pako, Achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’ ” Ndinoti kwamuri, “Kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwaMwari mukuru kwaari.” Zvino vanhu vose navateresi vakati vachizvinzwa vakati Mwari akarurama, zvavakanga vabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwaJohani. Asi vaFarisi navadudziri vomurayiro vakaramba kufunga kwaMwari pamusoro pavo, vakasabhabhatidzwa naye.

Verenga chikamu Ruka 7