Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 6:1-5

Ruka 6:1-5 SNA2002

Zvino nomusi weSabata akafamba napakati peminda yezviyo; vadzidzi vake vakatanha hura, vakadya, vachidzipukuta namaoko. Zvino vamwe vavaFarisi vakati kwavari, “Munoitireiko zvisina kutenderwa kuitwa nomusi weSabata?” Jesu akavapindura, akati, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye; kuti akapinda mumba maMwari, akatora zvingwa zvokuratidza, akazvidya, akapawo vakanga vanaye, izvo zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga?” Akati kwavari, “Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.”

Verenga chikamu Ruka 6