Vose vakamupupurira zvakanaka, vakashamiswa namashoko akanaka akabuda mumuromo make, vakati, “Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here?”
Akati kwavari, “Ndinoziva, muchareva tsumo iyi kwandiri, ‘N'anga uzviporese; zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviitewo nomuno munyika yako.’ ” Akati, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hakuna muporofita anogamuchirwa munyika yake. Ndinokuudzai shoko iri razvokwadi. Kwakanga kune chirikadzi zhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose; asi Eria haana kutumwa kune mumwe wavo, asi akatumwa Sarepita bedzi, munyika yeSidhoni, kumukadzi aiva chirikadzi. Kwakanga kuna vaiva namaperembudzi vazhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva omuporofita Erisha; hakuna mumwe wavo akanatswa, asi Naamani bedzi, muSiria.”
Ipapo vose vakanga vari musinagoge, vakatsamwa zvikuru, vachinzwa izvozvo, vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi. Asi iye akapinda napakati pavo, akaenda.
Zvino akaburukira Kapenaume, raiva guta reGariria; akasivadzidzisa nemisi yeSabata; vakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti shoko rake rakanga rine simba. Zvino musinagoge makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa wahan'ora; iye akadanidzira nezwi guru, achiti, “Haiwa, tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.”
Ipapo Jesu akaurayira, achiti, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa ukamuwisira pasi pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza.
Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti, “Shoko iri ndereiko? Nokuti anoraira mweya yakan'ora nechikuriri nesimba, ikabuda.” Mukurumbira wake ukanzwika kumativi ose enyika yakapoteredza.
Zvino akasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai vomukadzi waSimoni vakanga vakabatwa nefivhzvikuru; vakavakumbirira kwaari.
Ipapo akakotamira pamusoro pavo, akarayira fivha, ikavarega; vakasimuka pakarepo, vakavashandira.
Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navanorwara nehosha zhinji vakauya navo kwaari; akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa. Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira, ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari!” Asi akayiraira, akasaitendera kutaura, nokuti yakanga ichiziva kuti ndiye Kristu.
Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kwakanga kusina vanhu; vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari, vakaedza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari.
Asi akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Vhangeri youshe hwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”
Akasiparidza mumasinagoge eGariria.