Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 4:16-21

Ruka 4:16-21 SNA2002

Akasvika kuNazareta, kwaakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi weSabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave. Akapiwa bhuku yomuporofita Isaya; zvino akati aripetenura, akawana pakanyorwa panoti, “Mweya waIshe uri pamusoro pangu, Nokuti akandizodza, kuti ndiparidzire varombo Vhangeri; Akandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti vaonezve; Ndiregedze vakatsikirirwa; Nokuzivisa gore raIshe rakanaka.” Akapeta bhuku, akaridzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa. Zvino akatanga kuvaudza, achiti, “Nhasi rugwaro urwu rwaitika munzeve dzenyu.”

Verenga chikamu Ruka 4