Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 23:13-49

Ruka 23:13-49 SNA2002

Zvino Pirato akaunganidza vapristi vakuru namakurukota navanhu, akati kwavari, “Mauya kwandiri nomunhu uyu, muchiti, anotsausa vanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana kumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera nazvo; kunyange naHerodhiwo; nokuti wamudzosera kwatiri; tarirai, hakuna chinhu chakaitwa naye, chakafanira rufu. “Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura. [ Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe pamutambo.]” Asi vose vakadanidzira pamwechete, vachiti, “Bvisai munhu uyu, mutisunungurire Bharabhasi!” Iye akanga asungwa mutorongo nemhaka yebope rakanga ramutswa muguta, neyokuuraya. Zvino Pirato akataurazve navo, achida kusunungura Jesu. Asi ivo vakaramba vachidanidzira, vachiti, “Roverai pamuchinjikwa, mumurovere pamuchinjikwa!” Akati kwavari rwechitatu, “Uyu akagotadzeiko? Handina kuwana mhosva yorufu kwaari.” Asi ivo vakasimbisa namazwi makuru, vachikumbira kuti aroverwe pamuchinjikwa. Mazwi avo akakunda. Zvino Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe; akavasunungurira uyo wavakakumbira, akanga asungwa mutorongo nemhaka yebope neyokuuraya; akavapa Jesu vaite nokuda kwavo. Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, ainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti autakure shure kwaJesu. Akateverwa navanhu vazhinji-zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema. Asi Jesu akatendeukira kwavari, akati, “Vakunda veJerusaremu, musandichema ini, asi muzvicheme imi navana venyu; nokuti tarirai, mazuva anouya, avachati, ‘Vakaropafadzwa vasingaponi, nezvizvaro zvisina kutongobereka, namazamu asina kuyamwisa.’ Musi uyo muchatanga kureva kumakomo, muchiti, ‘Wirai pamusoro pedu,’ nokuzvikomo, ‘Tifukidzei.’ Nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, wakaoma uchaitirweiko?” Kwakanga kuna vamwe vatadzi vaviri, vavakaenda navo pamwechete naye kundourawa. Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi, “Dehenya,” vakamuroverapo navatadzi, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. Ipapo Jesu akati, “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.” Vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo. Vanhu vakamira, vachitarira; namakurukota vakamusekawo, vachiti, “Wakaponesa vamwe; ngaazviponese, kana ari Kristu waMwari, Mutsanangurwa wake.” Navarwiwo vakamuseka, vakauya kwaari, vakamupa vhiniga, vachiti, “Kana uri Mambo wavaJudha, uzviponese.” Zvino kwakanga kune runyoro pamusoro pake rwaiti, “UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA.” Mumwe wavatadzi vakanga vakaturikwa, akamutuka, achiti, “Hauzi Kristu here? Uzviponese, nesuo.” Mumwe akapindura, akamurayira, achiti, “Hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kamwe naye? Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.” Ipapo akati, “Jesu mundirangarire, kana mosvika muushe hwenyu!” Iye akati kwaari, “Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.” Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rikavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe. Zuva rikasviba; chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati. Zvino Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!” Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake. Ipapo mukuru wezana akati aona zvaitwa, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga akarurama.” Vazhinji vose vakanga vakaungana kuzoona izvozvo, vakati vaona zvaitwa, vakadzoka vachirova zvipfuva zvavo. Navazikanwi vake vose, navakadzi, vaimutevera vachibva Gariria, vakamira kure, vachiona izvozvo.

Verenga chikamu Ruka 23