Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 23:1-26

Ruka 23:1-26 SNA2002

Zvino vose vakanga vakaungana, vakasimuka, vakaenda naye kuna Pirato. Vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu, achivadzivisa kuti varege kuvigira Kesari kuterera; uye achizviti ndini Kristu Mambo.” Ipapo Pirato akamubvunza, akati, “Ko uri Mambo wavaJudha here?” Akamupindura, akati, “Ndizvo zvamareva.” Pirato akati kuvapristi vakuru nokuvazhinji, “Handiwani mhosva kumunhu uyu.” Ivo vakanyanya, vachiti, “Anomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhea rose, achitanga paGariria kusvikira pano.” Pirato wakati achinzwa izvozvo, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea. Akati anzwa kuti anobva kunyika yakatongwa naHerodhi, akamutumira kuna Herodhi, nokuti akanga ari muJerusaremu pamazuva iwayo. Zvino Herodhi akafara kwazvokwazvo achiona Jesu; nokuti aida kumuona kare, zvaakanga anzwa zvake; akafunga kuti achaona chimwe chiratidzo chingaitwa naye. Akamubvunza mashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu. Vapristi vakuru navanyori vakamira vakamupomera mhosva zvikuru. NaHerodhi navarwi vake vakamuzvidza, nokumuseka; vakazomupfekedza nguo dzinobwinya, vakamudzosera kuna Pirato. Nomusi uyo Pirato naHerodhi vakayanana; nokuti vaivengana. Zvino Pirato akaunganidza vapristi vakuru namakurukota navanhu, akati kwavari, “Mauya kwandiri nomunhu uyu, muchiti, anotsausa vanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana kumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera nazvo; kunyange naHerodhiwo; nokuti wamudzosera kwatiri; tarirai, hakuna chinhu chakaitwa naye, chakafanira rufu. “Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura. [ Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe pamutambo.]” Asi vose vakadanidzira pamwechete, vachiti, “Bvisai munhu uyu, mutisunungurire Bharabhasi!” Iye akanga asungwa mutorongo nemhaka yebope rakanga ramutswa muguta, neyokuuraya. Zvino Pirato akataurazve navo, achida kusunungura Jesu. Asi ivo vakaramba vachidanidzira, vachiti, “Roverai pamuchinjikwa, mumurovere pamuchinjikwa!” Akati kwavari rwechitatu, “Uyu akagotadzeiko? Handina kuwana mhosva yorufu kwaari.” Asi ivo vakasimbisa namazwi makuru, vachikumbira kuti aroverwe pamuchinjikwa. Mazwi avo akakunda. Zvino Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe; akavasunungurira uyo wavakakumbira, akanga asungwa mutorongo nemhaka yebope neyokuuraya; akavapa Jesu vaite nokuda kwavo. Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, ainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti autakure shure kwaJesu.

Verenga chikamu Ruka 23