Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 22:1-62

Ruka 22:1-62 SNA2002

Zvino mutambo wezvingwa zvisina mbiriso, unonzi Pasika, wakaswedera. Vapristi vakuru navanyori vakatsvaka kuti vangamuuraya sei; nokuti vakanga vachitya vanhu. Zvino Satani akapinda kuna Judhasi ainzi Isikarioti, mumwe wavane gumi navaviri. Akaenda, akandorangana navapristi vakuru navakuru vetemberi, kuti angamuisa kwavari sei. Vakafara, vakatenderana naye vose kuti vamupe mari. Akatenda, akatsvaka nguva yokumuisa nayo kwavari pasina vanhu vazhinji Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakati rasvika, rakafanira kubayirwa Pasika naro, akatuma Petirosi naJohani, achiti, “Endai, mundotigadzirira Pasika, kuti tidye.” Vakati kwaari, “Munoda kuti tigadzirirepiko?” Akati kwavari, “Tarirai, kana mapinda muguta, muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye kumba kwaanoenda; muti kumuridzi weimba, ‘Mudzidzisi anoti kwauri, imba yavaeni iripiko, mandingadyira Pasika navadzidzi vangu? Achakuratidzai imba huru iri kumusoro, yakarongedzwa; gadzirai ipapo.’ ” Vakaenda, vakandowana sezvaakanga avaudza; vakagadzira Pasika. Zvino nguva yakati yasvika, akagara pakudya navapostori. Akati kwavari, “Ndakanga ndichida zvikuru kudya Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyi, kusvikira yaitika muushe hwaMwari.” Zvino akatora mukombe; akavonga, akati, “Torai ichi, mugovane pakati penyu. Nokuti ndinoti kwamuri, kubva zvino handichatongonwizve michero yomudzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.” Akatora chingwa, akavonga, akamedura, akavapa, achiti, “Ichi muviri wangu, unopirwemi; itai izvi, mugondirangarira.” Nokudarowo, vapedza kurayira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwemi. “Asi tarirai, ruoko rwaiye, anondipandukira, runeni patafura. “Nokuti Mwanakomana womunhu anoenda hake, sezvazvakatemwa; asi anenhamo munhu uyo waanopandukirwa naye.” Ipapo vakatanga kubvunzana kuti ndianiko kwavari angaita chinhu icho. Zvino nharo dzakamuka pakati pavo kuti ndiani kwavari achanzi mukuru. Akati kwavari, “Madzimambo avahedheni ane simba pamusoro pavo, navabati vavo vanonzi, ‘Vabatsiri.’ Zvino imi musadaro, asi mukuru kwamuri ngaave somuduku, nomutungamiri soanoshandira. Nokuti ndianiko mukuru, agere pakudya, kana anoshandira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira. “Zvino imi ndimi mavakugara neni pamiedzo yangu. Ndinokugarisai nhaka youshe saBaba vangu vakandigarisa nhaka, kuti mugodya nokunwa patafura rangu muushe hwangu; muchagara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.” “Simoni! Simoni! Tarira Satani akakumbira kuti akuzungurei imi sezviyo; asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeuka, usimbise hama dzako.” Akati kwaari, “Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemi mutorongo, kunyange kurufu.” Akati, “Petirosi, ndinoti kwauri, nhasi, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu uchiti haundizivi.” Zvino akati kwavari, “Musi wandakakutumai, musina chikwama nehombodo neshangu, makashayiwa chinhu here?” Vakati, “Hakuna.” Akati kwavari, “Asi zvino, ane chikwama, ngaachitore, nokudarowo ane hombodo; asinamunondo, ngaatengese nguo yake, autenge. “Nokuti ndinoti kwamuri, kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvinoti, ‘Akaverengwa pamwechete navadariki vomurayiro;’ nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvoitika.” Ipapo vakati, “Ishe, tarirai, heyi minondo miviri.” Akati kwavari, “Zvaringana.” Zvino akabuda, akaenda kugomo reMiorivhi, sezvaaisiita; navadzidzi vake vakamutevera. Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda pakuedzwa.” Akaparadzana navo, chinhambo chingasvika ibwe, kana rikaposherwa; akapfugama, akanyengetera, achiti, “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.” Ipapo mutumwa akaonekwa naye, akabva kudenga, akamusimbisa. Zvino, ari pakutambudzika kukuru, akanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadonhwe eropa, akadonhera pasi. Akasimuka pakunyengetera, akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata neshungu dzomwoyo. Akati kwavari, “Mavatireiko? Mukai, munyengetere, kuti murege kupinda pakuedzwa.” Akati achataura, tarira, vanhu vazhinji, naiye ainzi Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akavatungamirira; akaswedera kuna Jesu, kuti amutsvode. Jesu akati kwaari, “Judhasi, unopandukira Mwanakomana womunhu nokumutsvoda here?” Zvino vaiva naye vakati vachina zvichaitika, vakati, “Ishe, totema neminondo here?” Ipapo mumwe wavo akatema muranda womupristi mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Jesu akapindura, akati, “Regai, zvaringana.” Akabata nzeve yake, akamuporesa. Zvino Jesu akati kuvapristi vakuru navakuru vetemberi, navakuru vakanga vauya kwaari kumubata, “Mabuda neminondo netsvimbo sokugororo here? Ndaiva nemi mutemberi mazuva ose mukasandibata; asi zvino inguva yenyu nesimba rerima.” Zvino vakamubata, vakaenda naye, vakandomuisa kumba kwomupristi mukuru. Petirosi akatevera ari kure. Vakati vavesa moto pakati poruvazhe, vakagara pasi pamwechete, naPetirosi akagara pakati pavo. Zvino mumwe mushandiri akati achimuona agere muchiedza chomoto, akamutarisisa, akati, “Nouyuwo akanga anaye.” Asi iye akaramba achiti, “Iwe mukadzi handimuzivi.” Garegare, mumwezve akamuona, akati, “Iwe uri mumwe wavo.” Petirosi akati, “Iwe munhu, handizati.” Nguva inenge seimwe yakati yapfuura, mumwezve akasimbisa, achiti, “Zvirokwazvo, uyu akanga anayewo; nokuti muGariria.” Petirosi akati, “Iwe munhu, handizivi zvaunoreva!” Pakarepo, achataura, jongwe rikarira. Ipapo Ishe akatendeuka, akatarira Petirosi. Petirosi akarangarira shoko raIshe, raakanga amuudza, achiti, “Jongwe risati rarira nhasi, uchandiramba katatu.” Akabuda, akachema zvikuru.

Verenga chikamu Ruka 22