Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 2:9-14

Ruka 2:9-14 SNA2002

Mutumwa waIshe akamira navo, nokubwinya kwaIshe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumwa akati kwavari, “Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose; nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chiratidzo kwamuri, muchandowana mwana mucheche, akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro chezvipfuwo.” Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwechete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti, “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro, Norugare ngaruve navanhu vaanofarira.”

Verenga chikamu Ruka 2