Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 2:1-38

Ruka 2:1-38 SNA2002

Zvino namazuva iwayo chirevo chakaitwa naKesari Augusto, kuti nyika yose inyorwe mazita. Uku ndokwaiva kunyorwa kwokutanga, kwakaitwa Kuriniosi ari mubati weSiria. Vanhu vose vakaenda kundonyorwa, mumwe nomumwe kuguta rake. NaJosefawo akabva Gariria, muguta reNazareta, akaenda Judhea, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bheterehemu, nokuti aiva weimba yaDhavhidhi, noworudzi rwake; kuti anyorwe naMaria, wakanga arooorwa, ava napamuviri. Zvino vakati varipo, mazuva okusununguka kwake akasvika; akasununguka dangwe rake mwanakomana, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakashaiwa nzvimbo mumba mavaeni. Zvino kwakanga kuna vafudzi munyika iyo, vaigara kuhuragu vachirinda mapoka avo usiku. Mutumwa waIshe akamira navo, nokubwinya kwaIshe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumwa akati kwavari, “Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose; nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chiratidzo kwamuri, muchandowana mwana mucheche, akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro chezvipfuwo.” Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwechete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti, “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro, Norugare ngaruve navanhu vaanofarira.” Zvino vatumwa vakati vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti, “Ngatiende hedu Bheterehemu, tindoona chinhu ichi chakaitwa; chatakaziviswa naIshe.” Ipapo vakakurumidza kuenda, vakawana Maria naJosefa, nomwana mucheche avete muchidyiro chezvipfuwo. Vakati vaona, vakazivisa kwose shoko ravakanga vaudzwa rezvomwana uyo. Vose vakanzwa vakashamiswa nezvavakaudzwa navafudzi. Asi Maria akachengeta mashoko iwayo ose, achifungisisa mumwoyo make. Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvose zvavakanzwa nezvavakaona, sezvavakanga vaudzwa. Mazuva masere akati apfuura, musi wokudzingiswa wasvika, vakatumidza zita rake Jesu, iro raakanga atumidzwa nomutumwa, asati agamuchirwa mudumbu ramai. Zvino mazuva okuzvinatsa kwavo nomurayiro waMosesi akati apera, vakaenda naye Jerusaremu, kuti vamuise pamberi paIshe; sezvazvakanyorwa pamurayiro waIshe, zvichinzi, “Mwanarume mumwe nomumwe anotanga kuzarura chizvaro, achanzi mutsvene waIshe,” uye kubayira chibayiro; sezvazvakarehwa pamurayiro waIshe, zvinoti, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku. Zvino, kwakanga kune munhu paJerusaremu, ainzi Simioni; aiva munhu akarurama aida Mwari, aitarira kunyaradzwa kwavaIsiraeri; noMweya Mutsvene wakanga anaye. Iye akanga aratidzwa noMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu, asati aona Kristu waIshe. Iye akauya mutemberi achifambirwa noMweya; zvino vabereki vakati vachiuya nomwana Jesu, kuti vaite naye nomutoo womurayiro, akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari, achiti, “Zvino, Tenzi, muranda wenyu ngaaende hake Norugare sezvamakareva; Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, Rwamakagadzira pamberi pavanhu vose; Chiedza chokuvhenekera vahedheni, Nokurumbidzwa kwavanhu venyu vaIsiraeri.” Baba vake namai vake vakashamiswa nezvakarehwa pamusoro pake. Ipapo Simioni akavaropafadzwa, akati kuna Maria, mai vake, “Tarira, mwana uyu akaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pakati pavaIsiraeri, chichava chiratidzo chicharambwa; uye munondo uchabaya mweya wakowo; kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzizikanwe.” Zvino kwakanga kuna Anawo, muporofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; iye wakanga achembera kwazvo, akanga anomurume makore manomwe kubvira pahumhandara hwake, akanga ari chirikadzi yaiva namakore makumi masere namana, akanga asingabvi mutemberi, achishumira Mwari nokuzvinyima zvokudya nokukumbira usiku namasikati. Naiye akati achisvika nenguva iyo, akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vose vakanga vachitarira kusunungurwa kweJerusaremu.

Verenga chikamu Ruka 2