Akapinda Jeriko, akapfuura napakati. Zvino murume aivapo, ainzi Zakeo; iye akanga ari mukuru wavateresi, uye aiva mupfumi; akatsvaka kuona Jesu, kuti ndiye ani; asi akanga asingagoni, nokuti akanga akapfupika.
Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuonde kuti amuone, nokuti akanga opfuura napo. Zvino Jesu akati achisvikapo, akatarira kumusoro, akati kwaari, “Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.”
Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira nomufaro.
Vose vakazviona, vakagu'nun'una, vachiti, “Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi.”
Ipapo Zakeo akamira, akati kuna Ishe, “Tarirai, Ishe, ndinopa varombo hafu yepfuma yangu, uye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.”
Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiyewo mwanakomana waAbhuruhamu.
“Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
Vakati vachinzwa izvozvo, akawedzera akataura mumwe mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusaremu, ivo vakati ushe hwaMwari hwobva hwoonekwa pakarepo. Naizvozvo akati, “Mumwe munhu mukuru akaenda kunyika yakanga iri kure, kuti andopiwa ushe, agodzokazve. Akadana varanda vake vane gumi, akavapa gumi repondo, akati kwavari, ‘Shambadzirai, kusvikira ndichiuyazve.’ Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, kundoti, ‘Hatidi kuti uyu munhu ave ishe wedu.’
“Zvino akati adzoka kuya kwaakanga andopiwa ushe, akarayira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe akawanei nokushambadzira kwake. Wokutanga akasvika, akati, ‘Ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzine gumizve.’
“Akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku-duku, ubate maguta ane gumi.’
“Wechipiri akasvika, akati, ‘Ishe, pondo yenyu yakawedzerazve pondo shanu.’
“Akati kwaariwo, ‘Newe, ubate maguta mashanu.’ Zvino mumwe akasvika, akati, ‘Ishe, tarirai pondo yenyu heyi, yandakanga ndachengeta mumucheka. Nokuti ndakanga ndichikutyai, zvamuri munhu ane hasha, munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha.’ Akati kwaari, ‘Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu ane hasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha; zvino wakaregereiko kuisa mari yangu mubangi, ndikazoitora pakudzoka kwangu yawanda.’ Ipapo akati kuna vakanga vamirepo, ‘Mutorerei pondo iyo, muipe ane pondo dzine gumi.’ Vakati kwaari, ‘Ishe, atova nepondo dzine gumi.’ Ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe ane chinhu, achapiwa; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo. Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndive ishe wavo, uyai navo pano, muvauraye pamberi pangu.’ ”