Zvino akanga achidzidzisa mune rimwe sinagoge nomusi weSabata. Zvino tarira, kwaivapo mukadzi aiva nomweya wourwere makore ane gumi namasere; akanga akafunyana, asingatongogoni kusimuka. Jesu akati achimuona, akamudana, akati kwaari, “Mai, masunungurwa paurwere hwenyu.” Akaisa maoko ake pamusoro pake; akatasanuka pakarepo, akarumbidza Mwari.
Verenga chikamu Ruka 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 13:10-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo