Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 12:35-59

Ruka 12:35-59 SNA2002

“Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje yenyu ipfute. Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo pakudzoka kwake kumutambo womuchato; kuti kana akasvika, akagogodza, vamuzarurire pakarepo. Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti, kana ishe achisvika, anovawana vakarindira. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, achazvisunga chiuno iye, akavagarisa pakudya, akauya akavashandira. “Kana akasvika nenguva yokurindira yechipiri, kana yechitatu yousiku, akavawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo. Asi muzive izvi, kuti dai muridzi weimba aiziva nguva inouya nayo mbavha, haazaitendera kuti imba yake ipazwe. Nemiwo mugare makazvigadzira, nokuti Mwanakomana womunhu achauya nenguva yamusingafungi.” Zvino Petirosi akati kwaari, “Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kuna vose here?” Ishe akati, “Ndianiko mutariri akatendeka, akachenjera, achaiswa nashe wake pamusoro pavaranda vake, kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira? “Akaropafadzwa muranda uyo anoti, kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti achamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo. Asi kana muranda uyo akareva mumwoyo make, achiti, ishe wangu anonoka kuuya; akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akanwa, akadhakwa, ishe womuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri, nenguva yaasingazivi, akamurovesa zvikuru, akamupa mugove wake pamwechete navasakatendeka. Muranda uyo akaziva kuda kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuda kwake, acharohwa zvakanyanya. “Asi asina kuziva, akaita zvakafanira kurohwa, acharohwa zvishoma. Akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; anotendwa nezvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari. “Ndakauya kuzokanda moto panyika; zvino ndinoti, dai watobatidzwa hawo! Ndino rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichiitika. Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri, kwete, asi kupesanisa. Nokuti kubva zvino vashanu veimba imwe vachapesana, vatatu vachipesana navaviri, vaviri navatatu. Baba vachapesana nomwanakomana wavo, nomwanakomana nababa vake; mai nomwanasikana wavo, nomwanasikana namai vake; vamwene nomukadzi womwanakomana wavo, nomukadzi womwanakomana navamwene vake.” Akati kuvanhu vazhinji, “Kana muchiona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti, mvura ichanaya; zvoitika saizvozvo. Kana muchiona mhepo ichivhuvhuta ichibva Zasi munoti, kuchapisa kwazvo; zvoitika. Imi vanyengeri; munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvokudenga, asi hamuzivi sei kududzira nguva ino? “Munoregereiko kuzvitongera mumene zvakarurama? Nokuti kana uchienda kuna she nomudzivisi wako, edza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akuise kumupurisa, mupurisa akuise mutorongo. Ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira.”

Verenga chikamu Ruka 12