Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 12:22-31

Ruka 12:22-31 SNA2002

Zvino akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei? Nokuti upenyu hunopfuura zvokudya, nomuviri unopfuwura zvokupfeka. Fungai makunguo, kuti haadyari, haacheki, haane tsapi kana dura; asi Mwari anoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei! Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe pahurefu hwake nokufunganya? Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe? “Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, haangakupfekedzi nokupfuurisa, imi vokutenda kuduku here? “Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchanwa; musazvidya mwoyo. Nokuti zvinhu izvozvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi. Asi tsvakai ushe hwavo, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa.

Verenga chikamu Ruka 12