Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 11:1-11

Ruka 11:1-11 SNA2002

Zvino akati achinyengetera pane imwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengeterawo Johani sezvaakadzidzisa vadzidzi vakewo.” Akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti, ‘Baba, zita renyu ngarikudzwe nohutsvene; ushe hwenyu ngahuuye; mutipe zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana; mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu; musatiisa mukuedzwa.’ ” Akati kwavari, “Ndianiko kwamuri angava neshamwari; akaenda kwaari pakati pousiku, akati kwaari, ‘Shamwari ndiposewo zvingwa zvitatu; nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.’ Ari mukati akapindura, akati, ‘Usandinetsa; musuo watopfigwa, navana vangu vava neni panhoo; handingamuki ndikakupa.’ “Ndinoti kwamuri, kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, achamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa nokusa kwokutsungirira kwake. Ndinoti kwamuri, kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. “Nokuti mumwe nomumwe anokumbira, anopiwa; anotsvaka, anowana; neanogogodza, anozarurirwa. Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here?

Verenga chikamu Ruka 11