Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revhitiko 9

9
Vapristi vanotanga basa ravo
1Zvino nomusi werusere Mosesi wakadana Aroni navanakomana vake, navakuru vaIsiraeri, 2akati kuna Aroni, “Tora mukomo wemhuru chive chipiriso chezvivi, negondohwe chive chipiriso chinopiswa, zvisina mhosva, uuye nazvo pamberi paJehovha. 3Utaure navana vaIsiraeri, uti, ‘Torai nhongo yembudzi chive chipiriso chezvivi, nemhuru, negwayana, zvose zvegore rimwe, zvisina mhosva, chive chipiriso chinopiswa, 4nenzombe, negondohwe zvive zvipiriso zvokuyananisa, muzvibayire pamberi paJehovha; nechipiriso choupfu hwakakanyiwa namafuta, nokuti nhasi Jehovha unozviratidza kwamuri.’ ”
5Zvino ivo vakauya nezvakanga zvarairwa naMosesi pamberi pomukova wetende rokusangana, ungano yose ikaswedera, vakamira pamberi paJehovha. 6Ipapo Mosesi akati, “Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha kuti muchiite, kuti kubwinya kwaJehovha kuzviratidze kwamuri.” 7Mosesi akati kuna Aroni, “Swedera kuatari ubayire chipiriso chako chezvivi, nechipiriso chako chinopiswa, uzviyananisire iwe navanhu; uuyewo nechipo chavanhu, kuti uvayananisire, sezvakarairwa naJehovha.”
8Ipapo Aroni wakaswedera kuatari, akabaya mhuru yechipiriso chezvivi, chakanga chiri chake. 9Vanakomana vaAroni vakauya neropa, akariisa panyanga dzeatari, akadurura ropa mujinga meatari; 10asi mafuta, netsvo, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa chechipiriso chezvivi, wakazvipisa pamusoro peatari, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. 11Nyama nedehwe akazvipisa nomoto kunze kwemisasa.
12Akabaya chipiriso chinopiswa; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, iye akarisasa pamusoro peatari kunhivi dzose. 13Ipapo vakamugamuchidzawo chipiriso chinopiswa, nhindi imwe neimwe, nomusoro, akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa pamusoro peatari. 14Akasuka ura namakumbo, akazvipisa pamusoro peatari.
15Ipapo akauya nechipo chavanhu, akatora mbudzi yechipiriso chezvivi, chaiva chavanhu, akaibaya, akaibayira zvivi, seyokutanga. 16Ipapo akauya nechipiriso chinopiswa, akachibayira sezvakanga zvarairwa. 17Akauyawo nechipiriso choupfu, akatsamurapo tsama yake, ndokuchipisira pamusoro peatari, achiwedzera pachipiriso chinopiswa chamangwanani. 18Akabayawo nzombe negondohwe, kuti chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisira vanhu; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, akarisasa pamusoro peatari kunhivi dzose; 19namafuta enzombe, neegondohwe, nebhemhe, namafuta anofukidza ura, netsvo, namafuta anofukidza chiropa; 20akaisa mafuta pamusoro pechityu, akapisa mafuta pamusoro peatari; 21Aroni akazunguzira zvityu nebandauko rorudyi, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa naMosesi.
22Zvino Aroni wakasimudzira maoko ake kuvanhu, akavaropafadza; akaburuka, apedza kubayira chipiriso chezvivi, nechipiriso chinopiswa, nezvibayiro zvokuyananisa nazvo. 23Mosesi naAroni vakapinda mutende rokusangana, vakabudazve, vakaropafadza vanhu; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose. 24Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta pamusoro peatari; vanhu vose vakati vachizviona vakadanidzira, vakawira pasi nezviso zvavo.

Zvasarudzwa nguva ino

Revhitiko 9: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda