Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revhitiko 27:1-13

Revhitiko 27:1-13 SNA2002

Jehovha wakataura naMosesi akati, “Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana munhu akazvisunga nokupika kukuru, vanhu ngavave vaJehovha sezvaunotara iwe. Kana uchitara mutengo womurume una makore ana makumi maviri kusvikira pamakumi matanhatu, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi mashanu esirivha, uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene.’ Kana ari mukadzi, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi matatu esirivha. Kana ana makore anobva pamashanu kusvikira pamakore makumi maviri, kutara kwako kwomurume ngakuite mashekeri makumi maviri, nokwomukadzi mashekeri ane gumi. Kana anomwedzi mumwe kusvikira pamakore mashanu, kutara kwako kwomurume ngakuite mashekeri mashanu esirivha, nokutara kwako kwomukadzi ngakuite mashekeri matatu esirivha. Kana ana makore makumi matanhatu naanopfuura, kana ari murume, kutara kwako ngakuite mashekeri ane gumi namashanu, kana ari mukadzi mashekeri ane gumi. “Kana ari murombo, asingasviki pakutara kwako, anofanira kuiswa pamberi pomupristi, kuti mupristi amutarire; mupristi anofanira kumutarira iye wakapika sezvaangagona kuripa. “Kana chiri chipfuwo chinopiwa Jehovha, chokutenda nacho, zvose zvacho zvinopa munhu Jehovha zvinofanira kuva zvitsvene. Haafaniri kuzvishandura kana kutsinhanhisa chakaipa nechakanaka, kana chakanaka nechakaipa; kana atsinhanhisa chipfuwo nechipfuwo, icho nechakatsinhiwa, zvose zviri zviviri zvinofanira kuva zvitsvene. Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, chisingapiwi Jehovha chokutenda nacho, chipfuwo icho chinofanira kuiswa kumupristi; zvino mupristi anofanira kuchitarira mutengo, kana chakanaka kana chakaipa; sezvawakachitarira iwe mupristi, ndizvo zvachichaita. Zvino kana achida kuchidzikinura, anofanira kuwedzera cheshanu chacho pakutara kwako.