Revhitiko 17
17
Kwavanofanira kubayira
1Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, 2“Taura naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, ‘Ndiro shoko rakarairwa naJehovha: 3Munhu upi noupi kuna veimba yaIsiraeri unouraya nzombe, kana gwayana, kana mbudzi, mukati memisasa, kana unozviuraya kunze kwemisasa, 4asina kuzviisa pamukova wetende rokusangana, kuzviisa pamberi petabhenakeri yaJehovha kuti chive chipo kuna Jehovha, munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake; 5kuti vana vaIsiraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rokusangana kumupristi, kuti vazvibayire Jehovha, zvive zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisira.’ 6Zvino mupristi ngaasase ropa razvo paatari yaJehovha, pamukova wetende rokusangana; apisewo mafuta, kuti zvinhuwire zvakanaka pamberi paJehovha. 7Havafaniri kuzobayira nhongo zvibayiro zvavo, idzo dzavaitevera pakupata kwavo. Uyo unofanira kuva murayiro usingaperi kwavari kusvikira kumarudzi avo ose.
8“Iwe unofanira kuti kwavari, ‘Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unopisira chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro, 9asingauyi nacho kumukova wetende rokusangana, kuti achibayire Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.’
Ropa harifaniri kudyiwa
10“Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unodya ropa ripi neripi, ndichatonga munhu uyo unodya ropa, ndimubvise pakati porudzi rwake. 11Nokuti upenyu hwenyama huri muropa; ndakakupai iro paatari, kuti riyananisire mweya yenyu; nokuti iropa rinoyananisira nokuda kwoupenyu hurimo. 12Naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, ‘Kurege kuva nomumwe wenyu uchadya ropa, kana mutorwa upi noupi ugere pakati penyu, ngaarege kudya ropa.’
13“Munhu upi noupi kuvana vaIsiraeri, kana kuvatorwa vagere pakati pavo, wakabata pakuvhima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, anofanira kudurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva. 14Nokuti kana huri upenyu hwenyama yose, ropa razvo ndihwo upenyu hwazvo, naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, ‘Regai kudya ropa razvo; ani naani unoridya anofanira kubviswa.’
15“Munhu upi noupi unodya chinhu chakangofa choga, kana chakaurawa nezvikara, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, anofanira kusuka nguo dzake, nokuzvishambidza nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko; ipapo uchazova wakanaka. 16Asi kana asingadzisuki, kana kushambidza muviri wake, uchafanira kuva nemhosva yake.”
Zvasarudzwa nguva ino
Revhitiko 17: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002