Asi imi vadikanwi, rangarirai mashoko akambotaurwa navapostori vaIshe wedu, Jesu Kristu; kuti vakakuudzai kuti, “Nenguva yokupedzisira vaseki vachavako, vanofamba nokuchiva kwavo vasingadi Mwari.”
Ndivo vanoparadzanisa, ndovenyama, vasina Mweya. Asi imi vadikanwi, muzvivake mukutenda kwenyu kutsvene-tsvene, munyengetere muMweya Mutsvene, muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaIshe wedu, Jesu Kristu, muve noupenyu husingaperi.
Ivai nengoni navamwe vane nyunyuto, muvaponese muchivabvuta pamoto; vamwe muve nengoni navo nokutya, muchivenga kunyange nenguo yakasvibiswa nenyama.
Zvino kuna iye anogona kukuchengetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamungapomerwa, muchifara kwazvo, kuna Mwari iye mumwe, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, noumambo, nesimba, noushe, nguva isati yavapo, nazvino nokusingaperi. Ameni.